Shona

Mark

2

1Zvino akapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti uri mumba.2Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.3Vakauya kwaari, vakaisa wakange akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.4Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varipfurunyura vakaburusira uchanja hwaakange avete pahwuri wakange akafa mitezo.5Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri.6Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:7Uyu unotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani unogona kukangamwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?8Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo akati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?9Chii chakakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri, pane kuti: Simuka, utore uchanja hwako, ufambe?10Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):11Ndinoti kwauri: Simuka utore uchanja hwako, uende kumba kwako.12Zvino pakarepo wakasimuka, akatora uchanja, ndokubuda pamberi pavo vose; zvekuti vose vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.13Wakabudazve akaenda kurutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.14Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.15Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nekuti vakange vari vazhinji vakamutevera.16Zvino vanyori nevaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekumwa nevateresi nevatadzi?17Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.18Uye vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?19Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;20asi mazuva awo achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva iwayo vachatsanya.21Uye hakuna unosonera chigamba chemucheka usina kuonyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvarura pane yakasakara buri rikanyanya.22Uye hakuna unodira waini itsva muhombodo sharu, zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara, asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.23Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.24VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?25Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, musi waakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?26Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa kunze nevapristi, akapawo kwavari vaaiva naye?27Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.28Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.