Shona

Mark

1

1Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;2sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.3Inzwi reunodanidzira murenje, richiti: Gadzirai migwagwa yaIshe; ruramisai nzira yake.4Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukangamwiro yezvivi.5Zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vose naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.6Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.7Akaparidza, achiti: Kunouya une simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.8Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.9Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.10Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya sezvinonzi injiva achiburukira pamusoro pake.11Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofara naye kwazvo.12Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.13Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.14Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,15achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.16Wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi.17Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.18Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.19Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake vari muchikepe vachigadzira mimbure.20Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.21Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.22Vakashamisika nedzidziso yake; nekuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.23Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,24achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.25Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!26Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.27Vakashamisika vose, kusvikira vavhunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nekuti nesimba unoraira kunyange mweya yakasviba, uye inomuteerera.28Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yose yakapoteredza Garirea.29Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya, vaina Jakobho naJohwani.30Asi mbuyawasha vaSimoni vakange vavete vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;31akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.32Zvino ava madekwana, zuva rovira, vakaisa kwaari vose vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.33Zvino guta rose rakange rakaungana pamukova.34Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; asi haana kutendera madhimoni kutaura, nekuti aimuziva.35Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.36Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa.37Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai.38Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nekuti ndizvo zvandakabudira.39Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rose, achibudisa madhimoni.40Zvino kwakauya kwaari une maperembudzi, achimukumbirisa ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.41Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;42achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.43Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,44akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pekunatswa kwako zvinhu izvo Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.45Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ose.