1Shure kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.2Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nekuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.3Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.4Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.5Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nekuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.6Haasi pano; nekuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange avete.7Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai unokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.8Ndokubva, vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.9Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.10Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.11Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvose zvakaitika.12Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,13vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.14Kana izvi zvikazikamwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.15Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati pevaJudha kusvikira nhasi.16Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira;17vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.18Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.19Endai naizvozvo muite marudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;20muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imwi; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.