Shona

Matthew

27

1Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vose nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.2Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.3Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, ndokuzvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,4achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.5Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.6Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nekuti mutengo weropa.7Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.8Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.9Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsiraeri wavakatarira mutengo;10vakaaripira munda wemuumbi wehari, saIshe zvaakandiraira.11Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo wevaJudha here? Jesu akati kwaari: Wareva iwe.12Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.13Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvinopikisa zvavanopupura pamusoro pako here?14Asi haana kumupindura kunyange neshoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.15Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.16Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa chazezesa wainzi Bharabhasi.17Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?18Nekuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.19Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nekuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.20Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.21Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.22Pirato akati kwavari: Ko ndichagoitei Jesu unonzi Kristu? vose vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.23Zvino mutungamiriri akati: Nekuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!24Zvino Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; zvionerei imwi.25Vanhu vose ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.27Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yose ikaunganira kwaari.28Vakamukurura, vakamufukidza nguvo tsvuku,29vakati varuka korona yemhinzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamusweveredza vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!30Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova musoro.31Vakati vamusweveredza, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.32Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Iye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa wake.33Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,34vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti amwe; asi wakati aravira akasada kumwa.35Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pezvekufuka zvangu.36Uye vakagara pasi, vakamurindapo.37Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.38Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.39Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,40vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.41Saizvozvowo vapristi vakuru vachisweveredza nevanyori nevakuru vachiti:42Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari iye Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.43Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nekuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.44Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamusveveredza saizvozvo.45Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yose kusvikira paawa repfumbamwe.46Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?47Vamwe vakange vamirepo pavakati vanzwa vakati: Uyo unodana Eria.48Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, ndokumupa kuti amwe.49Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.50Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.51Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.52Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa;53vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.54Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.55Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.56Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.57Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.58Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.59Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.60Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.61Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.62Nezuva raitevera zuva raitevera rekugadzirira, vapristi vakuru nevaFarisi vakaungana kuna Pirato,63vachiti: Ishe tinorangarira kuti munyepedzeri uyu wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.64Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurashika kwekupedzisira kukazonyanyisa pane kwekutanga.65Pirato akati kwavari: Mune varindi, endai murichengete sezvamunoziva.66Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.