Shona

Matthew

26

1Zvakaitika Jesu apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake:2Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu uchatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.3Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muruvanze rwomupristi mukuru wainzi Kayafasi.4Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.5Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.6Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,7kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadurura mumusoro wake agere pakudya.8Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?9Nekuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.10Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nekuti waita basa rakanaka kwandiri;11nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.12Nekuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.13Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, izviwo mukadzi zvaaita zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.14Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,15akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakatenderana naye pamasirivheri makumi matatu.16Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira wekumukumikidza kwavari.17Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire kuti mudye pasika?18Akati: Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari: Mudzidzisi unoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika paimba yako nevadzidzi vangu.19Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakaraira; vakagadzirira pasika.20Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.21Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.22Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini here?23Ndokupindura akati: Unoseva ruoko neni mundiro ndiye uchanditengesa.24Mwanakomana wemunhu unoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.25Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini here? Akati kwaari: Wataura iwe.26Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.27Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Imwai mose pauri.28Nekuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukangamwirwa kwezvivi.29Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichamwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazomwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.30Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.31Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.32Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai Garirea.33Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.34Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.35Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vose vakadaro.36Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ini ndichamboenda ndinonyengetera uko.37Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kushungurudzika nekutambudzika.38Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.39Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi imwi.40Akauya kuvadzidzi, akavawana vavete, akati kuna Petro: Saka makoniwa kurinda neni awa rimwe here?41Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.42Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaumwa, kuda kwenyu ngakuitwe.43Akauya, akavawana vavatazve, nekuti meso avo akange orema.44Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.45Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai muvete muzorore; tarirai, nguva yaswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.46Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.47Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.48Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.49Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi*! Akamutsvoda.50Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.51Uye tarirai, umwe wevaiva naJesu akatambanudza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.52Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nekuti vose vanobata munondo vanoparara nemunondo.53Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura makumi maviri?54Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuti zvidaro?55Nenguva iyoyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi mazuva ose ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.56Asi izvi zvose zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.57Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.58Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira paruvanze rwemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.59Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.60Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zviviri,61zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.62Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?63Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.64Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamusoro pemakore edenga.65Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.66Munofungei? Vakapindura vakati: Une mhoswa yerufu.67Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva, vamwe vakamurova nembama,68vachiti: Porofita kwatiri, iwe Kristu, ndiani wakurova?69Petro wakange agere panze paruvanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.70Asi iye wakaramba pamberi pevose achiti: Handizivi zvaunoreva.71Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.72Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.73Shure kwechinguva chiduku kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; kunyange kutaura kwako kunokuratidza.74Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.75Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvakaomarara.