Shona

Matthew

25

1Panguva iyo ushe hwekumatenga huchafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.2Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, vashanu vari mapenzi.3Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.5Zvino muwani wakati achinonoka, vose vakatsumwaira vakavata.6Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!7Zvino vasikana avo vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.8Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nekuti marambi edu odzima.9Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.10Asi vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.11Pashure kwakauyavo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, Ishe, tizarurirei!12Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.13Naizvozvo rindai, nekuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana wemunhu yaachauya.14Nekuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.15Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo rwake.16Uye wakagamuchira matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.17Saizvozvovo wemaviri akawanawo mamwe maviri.18Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.19Shure kwenguva refu, ishe wevaranda ivavo wakasvika, akagadzira zvemari navo.20Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauyisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.21Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.22Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.23Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.24Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;25zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!26Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.27Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.28Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune une matarenda gumi.29Nekuti wose unazvo uchapiwa ave nezvakawandisa; asi usina uchatorerwa nechaanacho.30Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze, ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.31Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo uchagara pachigaro cheushe chekurumbidzwa kwake.32Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzose; uye uchadziparadzanisa imwe kubva kune imwe, semufudzi unoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.33Uchamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.34Zvino Mambo uchati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropfadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.35Nekuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekumwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;36ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.37Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota tikapa chekumwa?38Takakuonai rinhi muri mweni, tikagamuchira, kana makashama, tikapfekedza?39Takakuonai rinhi isu muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?40Uye Mambo uchapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudukusa, makaitira ini.41Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makapiwa rushambwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diabhorosi nevatumwa vake.42Nekuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;43ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.44Ipapo ivava vachamupindurawo vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?45Zvino uchavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadukusa ava, hamuna kuitirawo ini.46Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.