Shona

Matthew

24

1Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.2Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingazoputsirwi pasi.3Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?4Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neunokutsausai;5nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.6Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nekuti zvose zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.7Nekuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara, nematenda, nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana siyana.8Asi zvose izvi kutanga kwemarwadzo emimba.9Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ose nekuda kwezita rangu.10Zvino vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.11Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.12Nekuti kuipa kuchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.13Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.14Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yose chive uchapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.15Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (unorava ngaanzwisise),16zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;17uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;18neuri kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.19Mune nhamo vane mimba nevanomwisa nemazuva iwayo!20Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva mukuvhuvhuta, kana nesabata.21Nekuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.22Dai mazuva iwayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, mazuva iwayo achapfupiswa.23Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.24Nekuti kuchamuka vana Kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanagurwa.25Tarirai, ndagara ndakuudzai.26Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, uri murenje, musabuda; tarirai uri mudzimba dzemukati, musatenda.27Nekuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo kuuya kweMwanakomana wemunhu.28Nekuti apo pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.29Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva iwayo, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.30Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ose enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.31Uye uchatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wematenga kusvikira kumugumo wawo.32Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.33Saizvozwo nemwi, kana moona izvozvi zvose, zivai kuti wava pedo pamikova.34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.36Asi zvezuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.37Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.38Nekuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekumwa, nekuwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,39uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vose, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.40Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, umwe achasiiwa.41Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.42Rindai naizvozvo, nekuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.43Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, ungadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.44Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.45Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape chikafu nenguva yakafanira?46Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.48Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya,49ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekumwa nezvidhakwa,50ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri nenguva yaasingazivi,51akamugura nepakati, akamugovera mugove wake nevanyepedzeri, apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.