1Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,2achiti: Vanyori nevaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;3saka zvose chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nekuti vanotaura, asi havaiti.4Nekuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemumwe wavo.5Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nekuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;6vanoda zvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,7nekwaziso pamisika, nekuidzwa nevanhu kuti: Rabhi*, Rabhi.8Asi imwi musaidzwa Rabhi, nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mose muri hama.9Musaidza munhu panyika baba venyu; nekuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.10Musaidzwawo vadzidzisi; nekuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, iye Kristu.11Asi mukurusa pamuri uchava muranda wenyu.12Ani nani unozvikwiridzira uchaderedzwa; ani nani unozvideredza, uchakwiridzirwa.13Asi mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nekuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi avo vanopinda kupinda.14Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.15Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.16Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani unopika netembere, hachizi chinhu, asi ani nani unopika nendarama yetembere, une mhosva.17Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, ndarama kana tembere inoita ndarama ive tsvene?18Uye: Ani nani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi ani nani unopika nechipo chiri pamusoro payo, une mhosva.19Mapenzi nemapofu! Nekuti chikuru ndechipi, chipo kana aritari inoita chipo chive chitsvene?20Naizvozvo unopika nearitari, unopika nayo nezvose zviri pamusoro payo.21Neunopika netembere, unopika nayo, neunogara mairi;22neunopika nedenga, unopika nechigaro cheushe chaMwari, neunogara pamusoro pacho.23Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nekuti munopa chegumi cheminte*, neadhiri*, nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Kururamisira mhaka, netsitsi, nekutendeka; izvi zvamaifanira kuita nekusarega zvimwe.24Vatungamiriri mapofu, munomimina rutunga, muchimedza kamera.25Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.26MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.27Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana nemarinda akadzudzurwa akaita machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yose.28Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.29Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,30muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.31Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana veavo vakauraya vaporofita.32Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!33Imwi nyoka, chizvarwa chezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?34Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita, nevakachenjera, nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.35Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rose revakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakaponda pakati petembere nearitari.36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichauya pamusoro pezera iri.37Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi memapapiro, asi hamuna kuda.38Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.39Nekuti ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa unouya nezita raIshe.