1Zvino Jesu wakapindura akataurazve navo nemifananidzo, achiti:2Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;3akatuma varanda vake kunodana avo vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.4Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumuchato.5Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake, umwe kukutengeserana kwake;6vakasara vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.7Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.8Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira.9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vose vamunowana.10Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakaunganidza vose nekuwanda kwevavakawana, zvose vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.11Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu usina kupfeka chipfeko chemuchato;12akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.13Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mumukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.14Nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vanosanangurwa.15Zvino vaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane vaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nekuti hamutariri chimiro chevanhu.17Naizvozvo tiudzei: Imwi munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?19Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenari.*20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ichi ndezvani?21Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.22Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.23Nezuva iroro kwakauya kwaari vaSadhusi, ivo vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza,24vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake uchawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.25Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake.26Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe.27Pakupedzisira kwevose mukadzi akafawo.28Zvino pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani pavanomwe? Nekuti vose vakava naye.29Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;30nekuti pakumuka kwevakafa havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.31Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:32Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.33Zvino zvaunga zvichizvinzwa, zvakashamisika nedzidziso yake.34VaFarisi vakati vachinzwa kuti washayisa vaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.35Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:36Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?37Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose.38Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.40Murairo wose nevaporofita zvakaremberedzwa pamirairo iyi miviri.41Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,42achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.43Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomudana sei muMweya kuti Ishe, achiti:44Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?45Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, unogova mwanakomana wake sei?46Zvino hakuna wakagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.