Shona

Matthew

21

1Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika Bhetefage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,2achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.3Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe unozvida; pakarepo uchazvitumira.4Izvozvo zvose zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:5Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako unouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wemhuka yemutoro.6Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,7vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.8Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.9Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaarumbidzwe iye unouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!10Wakati apinda muJerusarema, guta rose rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?11Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.12Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vose vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.13Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.14Kukauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.15Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,16vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makaperedzera rumbidzo?17Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokuvatapo.18Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.19Zvino wakati achiona muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava.20Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?21Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musingakononi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.22Nezvose zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.23Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani wakakupai simba iri?24Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.25Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Vakarangana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Saka makagoregerei kumutenda?26Asi kana tikati: Kuvanhu, tinotya chaunga; nekuti vose vakatora Johwani semuporofita.27Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.28Zvino munofungei? Munhu waiva nevana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.29Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.30Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.31Ndeupi kune ivavo vaviri wakaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.32Nekuti Johwani wakauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kuzotendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.33Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva nemunhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akafamba rwendo.34Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvawo.35Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nematombo.36Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.37Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.38Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.39Zvino vakamubata vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.40Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi ivavo?41Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa avo vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.42Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona; uku kuita kwaIshe, kunoshamisa pameso edu?43Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.44Uye unowira pamusoro pebwe iri, uchavhuniwa; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.45Vapristi vakuru nevaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unotaura ivo.46Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nekuti vaimutora semuporofita.