1Nekuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.2Wakati atenderana nevabati padhenari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.3Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;4akati kwavariwo: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.5Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.6Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rose musina chekuita?7Vakati kwaari: Nekuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira zvose zvakafanira.8Kuzoti ava madekwana, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga.9Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.10Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivo vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.11Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,12vachiti: Ava vekupedzisira, vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.13Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenari*?14Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.15Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nekuti ini ndakanaka here?16Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vachasarudzwa.17Jesu wakati okwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari:18Tarirai, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.19Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu uchamuka.20Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakagwadama vachikumbira chimwe chinhu kwaari.21Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandichamwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.23Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.24Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vechirudzi vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.26Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.27Ani nani unoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.28SeMwanakomana wemunhu usina kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake rwuve rudzikinuro rwevazhinji.29Vakati vachibuda Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.30Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!31Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!32Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?33Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe:34Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.