1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.2Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.3VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?4Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti uyo wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?5Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu uchasiya baba namai, uye uchanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.6Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza ngakurege kuva nemunhu unoparadzanisa.7Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?8Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro.9Asi ndinoti kwamuri: Ani nani unoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, unopomba; neunowana wakarambwa unopomba.10Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.11Asi akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.12Nekuti kune vakachekwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vakachekwa, vakaitwa vakachekwa nevanhu; uye kune vakachekwa vakazviita vakachekwa nekuda kweushe hwekumatenga. Unogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.13Zvino kwakauyiswa kwaari vana vaduku, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.14Asi Jesu wakati: Tenderai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nekuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.15Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.16Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi?17Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.18Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema;19kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.20Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu; ndichiri kushaiwei?21Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.22Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nekuti rakange rine nhumbi zhinji.23Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.24Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.25Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Ndiani ungagona kuponeswa?26Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.27Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagowanei?28Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu achizogara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.29Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi.30Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.