Shona

Matthew

18

1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?2Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.3Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.4Naizvozvo ani nani unozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.5Zvino ani nani unogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu unogamuchira ini.6Asi ani nani unogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.7Une nhamo nyika, nemhaka yezvigumbuso! Nekuti kunodikamwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!8Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi.9Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.10Chenjerai kuti murege kuzvidza umwe wevaduku ava, nekuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.11Nekuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarashika.12Munofunga sei? Kana umwe munhu ane zana remakwai, rimwe rawo rikarashika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarashika?13Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Unorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurashika.14Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevaduku ava aparare.15Asi kana hama yako yakutadzira, enda umudzore pakati pako naye moga; kana akakunzwa, wawana hama yako.16Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rose risimbiswe.17Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.19Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.20Nekuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.21Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, hama yangu ichanditadzira kangani, ndichiikangamwira? Kusvikira kanomwe here?22Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.23Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.24Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* zvuru zvemazana zvinegumi.25Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe nemukadzi wake nevana, nezvose zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.26Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.27Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukangamwira chikwereti.28Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe muranda waibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenari* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe ngava rangu.29Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichazokuripira zvose.30Asi iye haana kutenda, asi wakaenda, akamupotsera mutirongo, kusvikira achizoripa chikwereti.31Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvose zvakaitika.32Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukangamwira chikwereti icho chose, nekuti wakandigombetedza.33Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi.34Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira achizoripa zvose zvakafanira kwaari.35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakangamwiri umwe neumwe hama yake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yose.