1Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.2Akashandurwa chimiro pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.3Zvino tarira, kwakaonekwa kwaari Mozisi naEria vachitaura naye.4Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.5Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, wandinofadzwa maari kwazvo, inzwai iye.6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.7Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.8Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.10Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria unofanira kutanga kuuya?11Jesu akapindura akati kwavari: Eria uchatanga kusvika zvirokwazvo, uchavandudza zvinhu zvose.12Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvose zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu uchatambura navo.13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.14Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:15Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nekuti une zvipusha, unotambudzika kwazvo; nekuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.16Uye ndakamuuyisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.17Jesu akapindura akati: Zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri.18Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyoyo.19Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa?20Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; hakuna chinhu chingakukonai.21Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.22Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu wobva wokumikidzwa mumaoko evanhu,23uye vachamuuraya, asi nezuva retatu uchamutswa. Vakashurukirwa zvikuru.24Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?25Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?26Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.27Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.