Shona

Matthew

16

1VaFarisi nevaSadhusi ndokuuya vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga vachimuidza.2Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwana munoti: Kunze kwakanaka; nekuti denga rakatsvuka.3Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nekuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuongorora mamiriro edenga, asi hamugoni kuongorora zviratidzo zvenguva here?4Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi hapana chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.5Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakangamwa kutora zvingwa.6Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.7Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nekuti hatina kutora chingwa.8Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo ruduku, nemhaka yei muchirangana kuti hamuna kutora zvingwa?9Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?10Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?11Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti muchenjere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi?12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.13Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?14Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.15Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?16Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.17Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nekuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.18Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.19Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.20Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.21Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti unofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.22Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri.23Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.25Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi ani nani unorashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu uchahuwana.26Nekuti munhu unobatsirwei kana akawana nyika yose, akarashikirwa nemweya wake? Kana munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?27Nekuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.