1Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori nevaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:2Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzevakuru? Nekuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.3Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?4Nekuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Unotuka baba kana mai, unofanira kufa rufu.5Asi imwi munoti: Ani nani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibayiro,6naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika dzenyu.7Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:8Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.9Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dzemirairo yevanhu.10Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.11Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.12Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?13Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kusima chichadzurwa.14Varegei; vatungamiriri mapofu vemapofu; zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.15Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.16Zvino Jesu akati: Imwiwo muchigere kunzwisisa here?17Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, zvichizorashwa kunze?18Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.19Nekuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.20Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.21Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.22Zvino tarira, mukadzi muKanani wakabva kumiganhu iyoyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi! Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.23Asi haana kumupindura kana shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nekuti unodanidzira shure kwedu.24Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarashika eimba yaIsraeri.25Zvino akauya akamukotamira achiti: Ishe, ndibatsirei henyu.26Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.27Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.28Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyoyo.29Jesu ndokubva ipapo akauya pedo negungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.30Zvino zvaunga zvikuru zvikauyisa kwaari, vanokamhina, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;31zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.32Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nekuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.33Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?34Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove duku shomanene.35Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.36Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.37Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.38Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana vaduku.39Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.