Shona

Matthew

14

1Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,2akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvo mabasa esimba awa anobata maari.3Nekuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.4Nekuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.5Zvino wakange achida kumuuraya, akatya chaunga, nekuti vaimutora semuporofita.6Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.7Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti uchamupa chipi nechipi chaaizokumbira.8Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.9Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.10Akatuma vanhu akagura Johwani musoro mutirongo.11Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.12Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, ndokuenda ndokuudza Jesu.13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari oga; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.14Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.15Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera chikafu.16Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.17Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.18Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.19Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akamedura ndokupa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa kuzvaunga.20Vakadya vose, vakaguta, vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.21Uye vakange vadya vaiva varume zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana vaduku.22Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.23Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari oga kunonyengetera; akati ava madekwana, wakange ari oga ipapo.24Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichivheyeswa nemafungu; nekuti mhepo yakange ichipikisa.25Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti idzangaradzimu. Vakadanidzira nekutya.27Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.28Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.29Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.30Asi wakati achiona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!31Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo ruduku, unokononei?32Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.33Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.34Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.35Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza, vakauyisa kwaari vose vairwara.36Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vose vakabata vakaporeswa.