1Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi pagungwa.2Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chose chakamira pamahombekombe.3Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.4Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.5Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange iisina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nekuti pakange pasina kudzika kwevhu.6Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi, yakasvava.7Asi imwe yakawira pamhinzwa; mhinzwa ikakura, ikaivhunga.8Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, imwe makumi matanhatu, imwe makumi matatu.9Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.10Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?11Akapindura akati kwavari: Nekuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.12Nekuti ani nani unazvo uchapiwa, uye uchava nezvakawanda; asi ani nani usina uchatorerwa kunyange nezvaanazvo.13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona, havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.14Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.15Nekuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsuru, nemeso avo vakaatsinzina; zvichida vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, uye vatendeuke, ndigovaporesa.16Asi akaropafadzwa meso enyu, nekuti anoona; nenzeve dzenyu, nekuti dzinonzwa.17Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.18Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.19Umwe neumwe unonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.20Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;21asi haana mudzi maari, asi unogara kwenguva, nekuti kana dambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.22Uye wakakushwa pamhinzwa, ndiye unonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rikava risingabereki.23Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko akanzwisisa, unoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, umwe makumi matanhatu, umwe makumi matatu.24Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.25Asi vanhu vakati vavete, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.26Asi chipande chakati chamera nekubereka, zvino mashawi akaonekwawo.27Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?28Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Munoda kuti tindoaunganidza here?29Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyowo nawo.30Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.31Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.32Iyo iduku zvirokwazvo pambeu dzose, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inoita muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.33Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwose hwaviriswa.34Izvi zvinhu zvose Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;35kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.36Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.37Akapindura akati kwavari: Unokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;38uye munda inyika; nembeu yakanaka, ndivo vanakomana veushe; asi mashawi vanakomana vewakaipa.39Muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.40Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.41Mwanakomana wemunhu uchatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvose nevanoita zvakaipa;42zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.44Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, unoiviga; zvino nemufaro wake unoenda akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uwoyo.45Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadziri unotsvaka maparera* akanaka;46akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvose zvaakange anazvo, akaritenga.47Zvekare ushe hwekumatenga hwakafananawo nemumbure unokandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ose ehove.48Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, vogara pasi, vounganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirashira kunze.49Zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,50uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.51Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.52Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, unobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.53Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.54Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kuchenjera uku nemabasa esimba?55Uyu haazi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?56Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzose here? Ko zvinobvepi zvinhu izvozvi zvose.57Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi usina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.58Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.