Shona

Matthew

12

1Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.2Asi vaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.3Asi wakati kwavari: Hamuna kurava here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya, kunyange nevaiva naye kunze kwevapristi chete?5Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?6Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.7Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoshuva tsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kuti vane mhosva vasina mhosva.8Nekuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyangwe wesabata.9Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.10Zvino tarira, kwakange kune munhu wakange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.11Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu uchava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata ungarega kuribata akasimudza?12Asi munhu unopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.13Zvino akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akarutambanudza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.14Zvino vaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.15Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vose.16Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.17Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:18Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikamwa wangu, mweya wangu unofara naye. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, uye uchazivisa vahedheni kutonga.19Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna uchanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.21Uye vahedheni vachavimba mizita rake.22Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.23Zvaunga zvose zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?24Asi vaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.25Zvino Jesu akaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nohumwe hwakapesana hwakazvimirisana hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana yakazvimirisana haingamiri.26Uye kana Satani achibudisa Satani unopesana achizvimirisana; zvino ushe hwake huchamira sei?27Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.28Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.29Kana munhu ungapinda sei mumba mehamburamakaka akapamba nhumbi dzake kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka? Ipapo uchapamba imba yake.30Uyo usina ini, unomirisana neni, neusingaunganidzi neni, unoparadzira.31Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa chivi chose nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.32Uye ani nani unotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu uchakangamwirwa; asi ani nani unotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.33Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nekuti muti unozikamwa nechibereko.34Zvibereko zvenyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nekuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.35Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa pafuma yakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa.36Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.37Nekuti nemashoko ako ucharuramiswa, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.38Zvino vamwe vevanyori nevevaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.39Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.40Nekuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.41Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nekuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona uri pano.42Mambokadzi wekumaodzanyemba achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nekuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.43Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo asi uchishaiwa.44Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.45Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, zvino ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.46Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.47Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.48Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?49Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.50Nekuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu, nehanzvadzi, namai.