1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.2Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,3akati kwaari: Imwi ndimwi unouya here, kana titarisire umwe?4Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:5Mapofu anoonazve, uye vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;6wakaropafadzwa ani nani usingagumbuswi neni.7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?8Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.9Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange unopfuura kwazvo muporofita;10nekuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.12Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambwa, nevapambi vanohutora nesimba.13Nekuti vaporofita vose nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;14kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.15Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.16Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,17vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.18Nekuti Johwani wakauya asingadyi kana kumwa, asi vanoti: Une dhimoni.19Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinoruramiswa nevana vadzo.20Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nekuti haana kutendeuka, akati:21Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nekuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.22Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Tire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.23Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muHadhesi; nekuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino.24Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.25Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.26Hongu Baba, nekuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.27Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve unoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.28Uyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.29Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;30nekuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.