1Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nekuporesa ukosha hwose neurwere hwose.2Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, unonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake;3Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo;4Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti iyewo wakamutengesa.5Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta revaSamaria;6asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.7Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera.8Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.9Musawana ndarama, kana sirivheri, kana ndarira mubhanhire renyu,10kana homwe yerwendo, kana shati mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nekuti mushandi wakafanira chikafu chake.11Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva.12Zvino kana muchipinda mumba, muikwazise.13Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.14Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu.15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.16Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka mururame senjiva.17Asi svinurirai vanhu; nekuti vachakukumikidzai kudare remakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo;18zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, chive uchapupu kwavari nekuvahedheni.19Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chinyi; nekuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura.20Nekuti hamusi imwi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mamuri.21Mwanakomana wamai uchakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya.22Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvika pakuguma, ndiye uchaponeswa.23Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungapedzi maguta aIsraeri, kusvikira Mwanakomana wemunhu asvika.24Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake.25Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!26Naizvozvo musavatya; nekuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi; kana chakavanzika chisingazozikamwi.27Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba.28Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo unogona kuparadza zvose mweya nemuviri mugehena.29Ko dhimba mbiri hadzitengeswi nekobiri here? Asi imwe yadzo haingawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu.30Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose.31Naizvozvo musatya, imwi munopfuura dhimba zhinji.32Naizvozvo umwe neumwe uchandibvuma pamberi pevanhu, iye ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga.33Asi ani nani unondiramba pamberi pevanhu, iye ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga.34Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo.35Nekuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake;36nevavengi vemunhu ndeveimba yake.37Unoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neunoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini;38uye usingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini.39Unowana mweya wake ucharashikirwa nawo; asi unorashikirwa nemweya wake nekuda kwangu uchauwana.40Uyo unogamuchira imwi unogamuchira ini; neunogamuchira ini unogamuchira iye wakandituma.41Unogamuchira muporofita muzita remuporofita uchawana mubairo wemuporofita; neunogamuchira wakarurama muzita rewakarurama uchawana mubairo wewakarurama.42Uye ani nani unonwisa umwe wevaduku ava mukombe chete wemvura inotonhora muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorashikirwi nemubairo wake.