Shona

Matthew

9

1Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.2Zvino tarira, vakauyisa kwaari wakange akafa mitezo, avete pauchanja; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakangamwirwa zvivi zvako.3Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.4Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?5Nekuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako; kana kuti: Simuka ufambe?6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora uchanja hwako, uende kumba kwako.7Akasimuka, akaenda kumba kwake.8Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari, wakapa simba rakadai kuvanhu.9Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu unonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.10Zvino zvakaitika agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.11Zvino vaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?12Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vakagwinya havadi murapi asi vanorwara.13Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibayiro; nekuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.14Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu nevaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?15Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vangachema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika achabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.16Hakuna unoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nekuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.17Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.18Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamufugamira, akati: Mukunda wangu uchangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye uchararama.19Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.20Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.21Nekuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.22Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.23Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita nyonga-nyonga,24akati kwavari: Ibvai; nekuti musikana haana kufa, asi uvete. Ndokumuseka vachimusvabaidza.25Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.26Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yose.27Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!28Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.29Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.30Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna unozviziva.31Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.32Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauyisa kwaari munhu chimumumu waiva nedhimoni.33Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.34Asi vaFarisi vakati: Unobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.35Zvino Jesu wakapota nemaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa matenda ose neurwere hwoga hwoga pakati pevanhu.36Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nekuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.37Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo mukoho mukuru, asi vashandi vashoma;38naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wemukoho, kuti atumire vabati pamukoho wake.