Shona

Matthew

8

1Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera.2Zvino tarira, kwakauya une maperembudzi, akamufugamira achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.3Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.4Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubayire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.5Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa,6achiti: Ishe, muranda wangu uvete kumba, wakafa mutezo, anotambudzika kwazvo.7Zvino Jesu akati kwaari: Ndichauya kuzomuporesa.8Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu uchaporeswa.9Nekuti neniwo ndiri munhu uri pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; nekune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, anoita.10Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.11Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahamu naIsaka naJakobho, muushe hwekumatenga;12asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.13Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.14Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mbuyawasha vake vakaradzikwa vane fivhiri.15Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.16Zvino ava madekwana vakauyisa kwaari vazhinji vaiva vakabatwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;17kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.18Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.19Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kose kwamunoenda.20Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro.21Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu.22Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.23Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.24Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange avete.25Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara!26Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rushoma? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.27Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii unoti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?28Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yevaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo.29Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here?30Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifudzwa.31Madhimoni akamukumbirisa achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.32Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rose renguruve rakamhanyira kwazvo kumateru kugungwa, dzikafira mumvura.33Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvose zvevakange vane madhimoni.34Zvino tarira, guta rose rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.