1Musatonga, kuti imwi murege kutongwa,2nekuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa nechiyero chamunoyera nacho zvekare.3Unotaririrei rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?4Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?5Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.6Musapa chitsvene kumbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.7Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.8Nekuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.9Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?10Kana kuti akakumbira hove achamupa nyoka?11Zvino kana imwi makaipa muchiziva zvipo zvakanaka zvekupa vana venyu, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?12Naizvozvo zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo ivo saizvozvo; nekuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.13Pindai nesuwo rakamanikana; nekuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vazhinji varipo vanopinda naro.14Nekuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.15Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.16Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa pamhinzwa here, kana maonde parubayambeva?17Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa;18muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.19Muti umwe neumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.20Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.21Haasi wose anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.22Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?23Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.24Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.25Mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nekuti yakange yakateyiwa paruware.26Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;27mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.28Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.29Nekuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.