Shona

Matthew

6

1Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.2Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta, kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.3Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.4Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.5Zvino kana muchinyengetera, musava sevanyepedzeri; nekuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati; ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.7Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nekuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.8Naizvozvo musafanana navo; nekuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa, musati mavakumbira.9Naizvozvo imwi nyengeterai sezvizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;10ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;11mutipei nhasi chikafu chedu chemisi yose;12uye mutikangamwire mhosva dzedu, sezvatinokangamwirawo vane mhosva nesu;13uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nekuti ushe ndehwenyu, nesimba, nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.14Nekuti kana muchikangamwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukangamwiraiwo.15Asi kana musingakangamwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyuwo havangakangamwiri kudarika kwenyu.16Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nekuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.17Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,18kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakuripira.19Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane zvifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;20asi muzviunganidzire fuma kudenga, kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi dzichiba.21Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.22Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wose uchazara nechiedza.23Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!24Hapana ungashumira vatenzi vaviri; nekuti uchavenga umwe, akada umwe; kana uchanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.25Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchafuka. Upenyu hahupfuuri chikafu here, nemuviri zvipfeko?26Tarirai shiri dzedenga, nekuti hadzidzvari, kana kukohwa, kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?27Ndiani kwamuri nekufunganya ungawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?28Nepamusoro pezvipfeko munofungirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei, haichami, hairuki;29asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kose haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, hwuripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo ruduku?31Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?32Nekuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka, nekuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.34Naizvozvo musafunganyira mangwana, nekuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.