Shona

Matthew

5

1Zvino wakati achiona zvaunga, akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari;2akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti:3Vakaropafadzwa varombo pamweya; nekuti ushe hwekumatenga ndehwavo.4Vakaropafadzwa vanochema; nekuti ivo vachanyaradzwa.5Vakaropafadzwa vanyoro; nekuti ivo vachagara nhaka yenyika.6Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nekuti ivo vachagutiswa.7Vakaropafadzwa vane tsitsi; nekuti vachapiwa tsitsi.8Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nekuti ivo vachaona Mwari.9Vakaropafadzwa vanoyananisa; nekuti ivo vachanzi vana vaMwari.10Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nekuti ushe hwekumatenga ndehwavo.11Makaropafadzwa imwi, kana vachikunyombai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvose vachireva nhema nekuda kwangu.12Farai mupembere kwazvo, nekuti mubairo wenyu mukuru kumatenga; nekuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.13Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.14Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;15uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.16Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kumatenga.17Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.18Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara duku rimwe kana chidodzi chimwe chemurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvose zvaitika.19Naizvozvo ani nani anodarika umwe wemirairo midukusa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, uchanzi mudukusa muushe hwekumatenga. Asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye uchanzi mukuru muushe hwekumatenga;20nekuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekwevaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.21Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya uchava nemhosva yemutongo;22asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, uchava nemhosva yekutongwa; neanoti kune umwe wake: Dununu! uchava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! Uchava nemhosva yegehena remoto.23Naizvozvo kana uchiuyisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako une chekupikisana newe,24siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugozouya wopira chipo chako.25Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.26Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira.27Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe.28Asi ini ndinoti kwamuri: Wose anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.29Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; nekuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.30Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urashire kure newe; nekuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.31Zvakanzi zvekare: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;32asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.33Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako.34Asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nekuti chigaro chaMwari cheushe;35kana nenyika, nekuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nekuti iguta raMambo mukuru;36uye usapika nemusoro wako, nekuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.37Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; asi chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.38Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino.39Asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.40Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.41Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.42Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri.43Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.44Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.45Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nekuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.46Nekuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?47Kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?48Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.