Shona

Matthew

4

1Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.2Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.3Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.4Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa choga, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.5Zvino dhiabhorosi akamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,6ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nekuti kwakanyorwa kuti: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.7Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.8Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nekubwinya kwahwo.9Akati kwaari: Zvose zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.10Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye woga.11Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.12Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.13Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaumi riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuroni neNafitarimi;14kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:15Nyika yeZebhuroni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;16vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.17Kubvira panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza nekuti: Tendeukai, nekuti ushe hwekumatenga hwaswedera.18Zvino Jesu wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi.19Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.20Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.21Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.22Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.23Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda roga roga neurwere hwoga hwoga pavanhu.24Shoko rake rikabudira kuSiria yose; vakauyisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.25Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.