Shona

Matthew

3

1Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,2achiti: Tendeukai; nekuti ushe hwematenga hwaswedera.3Nekuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.4Iyezve Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nechikafu chake chaiva mhashu neuchi hwedondo.5Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rose nedunhu rose rakapoteredza Joridhani;6vakabhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.7Asi wakati achiona vazhinji vevaFarisi nevaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kuti mutize hasha dzinouya?8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.9Musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahamu anova baba; nekuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.10Uye sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.11Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.12Une rusero rwuri muruoko rwake, uchachenesa buriro rake kwazvo, agounganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi uchaipisa nemoto usingadzimiki.13Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.14Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikamwa kuti ndibhabhatidzwa nemwi, asi imwi mouya kwandiri?15Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nekuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.16Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.17Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikamwa, wandinofara naye kwazvo.