1Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi.2Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa.3Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.4Mukadzi anoshingairira zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamafupa ake.5Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera.6Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira.7Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire.8Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane moyo akatsauka, achazvidzwa.9Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.10Akarurama ane hanya noupenyu bwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.11Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere.12Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unotunga.13Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo14Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.15Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa.16Kutsamwa kwebenzi kunozikamwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake17munhu anoreva zvokwadi anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.18Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.19Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.20Kunyengedzera kuri mumoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro.21Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.22Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza.23Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi moyo yamapenzi inoparidza upenzi.24Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.25Kutambudzika pamoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza.26Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa.27Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ifuma yomunhu.28Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu.