Shona

Proverbs

11

1Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.2Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.3Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza.4fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.5Kururama kowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.6Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.7Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakasimba inoparadzwa.8Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake.9Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake;10Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.11Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.12Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.13Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka.14Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso.15Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.16Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo.17Munhu ane tsitsi, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.18Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi.19Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.20Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.21Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurangwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.22Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.23Zvinodikamwa navakarurama zvakanaka chete; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.24Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.25Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.26Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.27Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.28Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.29Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera.30Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.31Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi!