Shona

Proverbs

10

1Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.2fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu.3Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.4Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa.5Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa.6Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.7Kuyeukwa kowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora.8Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.9Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikamwa.10Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.11Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.12Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kose.13Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.14Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa.15fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.16Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.17Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.18Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi.19Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.20Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu.21Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.22Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.23Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.24Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.25Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.26Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.27Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa.28Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.29Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.30Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.31Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.32Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.