1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;2Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.3Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,4Asina mano ngaatsaukire muno; Asina njere, hunoti kwaari,5Uyai mudye chingwa changu, Mumwe waini yandakavhenganisa.6Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.7Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.8Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.9Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.10Kuvamba kouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.11nekuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.12Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.13Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.14Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.15Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,16Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno; Asine njere, mukadzi anoti kwaari,17Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.18Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.