1Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?2Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;3Parutivi rwamasuwo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti,4Ndinodanidzira kwamuri, imwi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu.5nzwisisai uchenjeri, imwi vasina mano; imwi mapenzi, ivai nomoyo une njere.6Inzwai, nekuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; nekuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama.7nekuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu.8Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari;9Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.10Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.11nekuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikamwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo.12Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama.13Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.14Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba.15Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni.16Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi.17Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana.18fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama.19Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa.20Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;21Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.22Jehovha ndakava wake, ndakava kuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare.23Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa.24Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji.25Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa;26Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.27Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa;28Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa;29Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;30Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose,31Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu.32Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; nekuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.33Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba.34Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuwo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu.35nekuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha.36Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake;