1Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.2Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.3Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako.4Uti kuuchenjeri, Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;5Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.6nekuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda bwehwindo rangu;7Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere;8Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi9Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.10Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo.11Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;12Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.13Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,14Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.15Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.16Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Egipita.17Ndakasasa zvinonhuhwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.18Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.19nekuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;20Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.21Nokutaura kwake kunokwezva anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.22Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;23Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.24Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.25moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.26nekuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.27Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.