Shona

Proverbs

14

1Mukadzi mumwe nemumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.2Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza.3Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.4Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.5Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.6Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.7Ibva pamberi pebenzi, nekuti haungawani miromo yezivo kwaari.8Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.9Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana.10moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo.11Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.12Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.13Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma komufaro ndiko kuchema.14Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.15Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.16Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.17Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.18Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.19Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuwo avakarurama.20Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji.21Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.22Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka23Kubata kose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.24Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo25Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera.26Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro.27Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.28Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.29Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.30moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mafupa.31Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.32Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.33Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikamwa.34Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.35Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.