Shona

Proverbs

15

1Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha.2Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi.3Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka.4Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya.5Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere.6Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa.7Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro.8Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza.9Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama.10Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa.11Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu.12Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera.13moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu.14moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi.15Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose.16Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta.17Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.18Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava.19Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rwemhinzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.20Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo.21Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama.22Pasingarangamwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.23Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!24Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.25Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganhu wechirikadzi anousimbisa.26Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza.27Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama.28moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.29Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama.30Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mafupa.31Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera.32Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere.33Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.