1Kurangarira komoyo ndokomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.2Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.3Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.4Jehovha akaitira chinhu chimwe ,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa,5mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.6Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.7Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.8Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama.9moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.10Miromo yamambo inotema zviga zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.11Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.12Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; nekuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.13Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikamwa naye.14Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.15Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.16Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.17Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.18Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.19Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.20Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro.21Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo22Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi23Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake24Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mafupa.25Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.26Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira.27Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa.28Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana.29Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka.30Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka ,Anorumana miromo yake anoita zvakashata.31Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka,Inowanikwa panzira yokururama.32Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha.33Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zviga zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.