1Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara.2Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana.3Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Asi Jehovha anoidza moyo yavanhu.4Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata.5Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa.6Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo.7Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda.8Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza.9Munhu anofukidza kudarika komumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana.10Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana.11Munhu anomoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume inomoyo mukukutu.12Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro.13Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake.14Kuvamba kokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.15Anopembedza akaipa, nounopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha.16Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere.17Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.18Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso.19Anoda kukakavara, anoda kudarika, Anokurisa suwo rake, anotsvaka kuparadzwa.20Anomoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi.21Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro.22moyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mafupa.23Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira.24Uchenjeri huri pamberi poane njere, Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika.25Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava.26Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kokururama kwavo.27Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere.28Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.