1Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.2Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.3Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.4Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.5Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.6Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.7Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.8Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.9Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munin'ina womuparadzi.10Zita raJehovha ishongwe yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.11fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.12moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.13Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.14Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?15moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.16Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.17Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.18Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.19Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.20Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.21Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.22Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.23Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.24Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.