Shona

Proverbs

20

1Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera.2Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake.3Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.4Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakukohwa, hazvipo.5Mano mumoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.6Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka?7Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.8Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake.9Ndiani angati, Ndachenesa moyo wangu Ndanatswa zvivi zvangu?10Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha.11Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.12Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose.13Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya.14Chakaipa, chakaipa! Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza.15Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.16Mutorerei nguvo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa.17Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha.18Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri.19Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.20Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.21Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira.22Usati, Ndachatsiva zvakaipa; Mirira Jehovha, iye achakuponesa.23Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka.24Kufamba komunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?25Musungo kumunhu kupika achiti, Chitsvene! Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika.26Mambo akachenjera anozungura. vakaipa, Achivapura nomupuro.27Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.28Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo.29Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwevatana ndiyo misoro yakachena.30Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.