Shona

Proverbs

21

1Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.2Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.3Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.4Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.5Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.6Kuunganidza fuma norurimi runoreva nhema Imhute inodzingwa kose-kose navanotsvaka rufu.7Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, nekuti vanoramba kuita zvakarurama.8Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.9Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.10Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.11Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira12Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.13Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema komurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.14chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.15Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.16Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.17Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.18Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.19Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara nowanonetsa.20Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.21Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.22Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.23Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.24Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.25Kuda koane usimbe kunomuuraya; nekuti maoko ake anoramba kubata basa.26Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.27Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.28Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.29Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.30Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.31Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.