1Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikamwa kupfuura sirivha nendarama.2Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.3Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.4Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.5mhinzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.6Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.7Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwereti, muranda, wowakamupa chikwereti.8Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.9Ane moyo munyoro acharopafadzwa; nekuti anopa varombo zvokudya zvake.10Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.11Anoda kuchena komoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake.12Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.13Simbe inoti, Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.14Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.15Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.16Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.17Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.18nekuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.19Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.20Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?21Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?22Usatorera murombo, nekuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuwo;23nekuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwevanovatadzira.24Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;25Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.26Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.27Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?28Usabvisa muganhu wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.29Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikamwi.