Shona

Proverbs

23

1Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;2Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo3Usapanga zvinozipa zvake, nekuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.4Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako.5Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! nekuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga6Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake.7nekuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, Chidya, chimwa; , Asi moyo wake haune hanya newe.8Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.9Usataura paunonzwikwa nebenzi; nekuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.10Usabvisa muganhu wekare; Uye usapinda paminda yenherera;11nekuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.12moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.13Usarega kuranga mwana; nekuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.14Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori.15Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo.16Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.17moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.18nekuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.19Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira.20Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama.21nekuti mumwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.22Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.23Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.24Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.25Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.26Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu.27nekuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.28Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.29Ndiani ane: Urombo? Ndiani ane: Urombo? Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?30Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.31Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakumwiwa.32Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi.33Meso ako achaona zvisingazikamwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama.34Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.35Uchati, Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve.