1Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.2nekuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.3Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.4Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.5Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba6nekuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.8Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.9Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.10Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.11Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.12Kana ukati, Tarira, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangadzoaeri mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?13Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukamwa wako.14Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.15Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.16nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.17Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.18Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.19Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.20nekuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.21Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongoshanduka shanduka.22nekuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?23Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka24Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.25Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.26Anopindura namashoko akarurama, unotsvoda nemiromo.27Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.28Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.29Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.30Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;31Tarirai, akanga angomera mhinzwa chete; Munda wose wakange wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.32Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.33Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;34Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.