1Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,2Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.3Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.4Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.5Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.6Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.7nekuti zviri nani kuti vati kwauri, Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako.8Usakurumidza kundoita nharo; nekuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?9Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;10Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Guhwa rako rikasaguma.11Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.12Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.13Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; nekuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.14Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.15Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mafupa.16Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.17Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.18Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.19Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.20Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.21Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura amwe.22nekuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.23Mhepo inobva kumaodzanyemba inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.24Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.25Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.26Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.27Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.28Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.