Shona

Proverbs

26

1Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukukohwa, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi.2Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki.3Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi.4Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro.5Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera.6Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokumwa kutambudzika.7Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.8Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi.9Sezvinoita mhinzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi,10somupfuri wemiseve, unopfura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi.11Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro.12Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye!13Simbe inoti, Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.14Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo.15Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.16Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.17Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita mupfuuri anozvipinza pagakava risati riri rake.18Somupengo anokanda zvitsiga, Nemiseve, nezvinouraya,19Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, Ndinongoita zvangu jee!20Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera.21Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.22Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.23Miromo inopisa norudo pamwechete nomoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha.24Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumoyo make.25Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; nekuti mumoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.26Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano.27Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake.28Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza.