1Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; nekuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.2Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.3Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.4Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo.5Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa.6Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsvoda komuvengi kunonyengedza.7Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava.8Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.9Mafuta nezvinonhuhwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka koushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.10Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba komunin'ina wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munin'ina uri kure,11Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora.12Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.13Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe.14Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.15Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.16Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.17Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.18Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.19Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.20Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti.21Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikamwa nezvaanofarira.22Kunyange ukatswa benzi muduri nomutswi pakati pezviyo zvinotswiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.23Shingaira uzive chimiro chamakwai ako; Uchengete zvakanaka mapoka ako.24nekuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?25Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa.26Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.27Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako.