1Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga moyo seshumba.2Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, kururama kwayo kucharamba kuripo.3Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasii zvokudya.4Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.5Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.6Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akafuma.7Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake.8Anowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.9Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.10Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.11Mupfuri anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.12Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.13Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha.14Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa moyo wake, achawira munjodzi.15Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo.16Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva.17Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu.18Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo.19Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo.20Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kufuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.21Kutsaura vanhu hakuna kunaka; nekuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa.22Munhu ano ruchiva, anovangira fuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa.23Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake.24Anobira baba vake kana amai vake, achiti, Hakuzi kudarika, Uyu ishamwari yoanoparadza.25Ano mweya wokukara anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa.26Anotenda moyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, achadzikunurwa.27Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji.28Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.