1Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.2Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.3Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.4Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.5Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.6Pakudarika komunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.7Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.8Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.9Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.10Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.11Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzipfimbika.12Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.13Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.14Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.15Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.16Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.17Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.18Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.19Muranda angaramba kurairirwa namashoko chete; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.20Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.21Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achava mwanakomana kwaari.22Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.23Kuzvikudza komunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.24Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.25Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.26Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa komunhu kunobva kuna Jehovha.27Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.