Shona

Proverbs

30

1Mashoko aAguri, mwanako­mana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,2Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.3Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.4Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?5Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.6Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.7Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.8Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;9Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.10Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.11Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.12Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.13Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.14Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.15Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, Ndipe! Ndipe! Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, Zvaringana!16Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, Zvaringana!17Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.18Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:19Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba komurume nomusikana.20Ndizvo zvakaita kufamba komukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, Handina kuita chinhu chakaipa.21Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;22Nokuda komuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;23Nokuda komukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.24Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:25Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;26Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;27Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;28Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.29Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:30Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;31Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.32Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.33nekuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzambandidzirwa dzinobudisa kukakavara.